Acts 27

Pauro anoenda kuRoma nechikepe

1Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito. 2Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Aristakusi, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu.

3Zuva rakatevera takasvika paSidhoni; uye Juriasi akanzwira Pauro tsitsi akamutendera kuti aende kushamwari dzake kuti zvimwe vangamupa zvaaishayiwa. 4Tichibva ipapo takaendazve kugungwa tikapfuura nezasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakanga ichitidzivisa. 5Takati tayambuka gungwa reSirisia nePamufiria, takandomira paMira muRisia. 6Mukuru wezana akawana chikepe cheArekizandiria ipapo chaienda kuItari akatikwidzamo. 7Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone. 8Takafamba nokumahombekombe tichitambudzika tikasvika panzvimbo yainzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.

9Takarasikirwa nenguva yakawanda kwazvo, uye kufambisa chikepe kwakanga kwava nenjodzi nokuti zvino Nguva Yokutsanya yakanga yatopfuura. Saka Pauro akavayambira akati, 10“Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nenjodzi uye ruchauyisa kurasikirwa kukuru kuchikepe nokunhumbi, uyewo nokuupenyu hwedu chaihwo.” 11Asi mukuru wezana, pachinzvimbo chokuti ateerere kune zvakanga zvataurwa naPauro, akatevera zano romuchairi wechikepe uye neromuridzi wechikepe. 12Sezvo panomira chikepe pakanga pasina kunaka kuti vanhu vagarepo munguva yechando, voruzhinji vakasarudza kuti tirambe tichifamba, vachitarisira kusvika kuFonisia tigogarako panguva yechando. Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yomuKirete yaimirira chikepe, yakatarisa kwose zasi kwakadziva kumavirira nokumusoro kwakadziva kumavirira.

Dutu

13Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakakanga chimiso mumvura tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete. 14Kusati kwambopera nguva huru, mhepo huru ine simba, yainzi “Yurakuro,” yakavhuvhuta ichibva nokuchitsuwa. 15Chikepe chakabatwa nedutu chikatadza kupinda nomumhepo; saka takarega zvakadaro uye tikaramba tichingosairirwa. 16Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu. 17Varume vakati varikwidza pamusoro pechikepe, vakapinza tambo napasi pechikepe kuti zvibate zvakasimba. Vachitya kuti vangasairirwa kujecha rokuSiritisi, vakaderedza zvimiso zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa. 18Takanga tava kuvhungwa-vhungwa nedutu raiva nesimba zvokuti mangwana acho vakatanga kubudisa nhumbi muchikepe vachidzikanda mugungwa. 19Pazuva retatu, vakakanda mimwe midziyo yaishandiswa muchikepe mugungwa namaoko avo. 20Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu.

21Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku. 22Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa. 23Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni 24akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’ 25Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza. 26Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”

Kuparara kwechikepe

27Nousiku hwegumi nechina, takanga tichiri kungosundwa nemhepo tichiyambuka Gungwa reAdhiria, panenge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakaona kuti vakanga voswedera kunyika. 28Vakashandisa zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti pakanga pakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu. 29Vachitya kuti vangabondera pamatombo, vakadzikisa zvimiso zvina shure, ndokunyengetera kuti dai kwaedza. 30Vachida kuedza kutiza kubva muchikepe, vafambisi vechikepe vakaburutsa igwa rokununura upenyu ndokurikanda mugungwa, vachiita sokunge vaizodzikisa zvimiso mberi kwechikepe. 31Ipapo Pauro akati kumukuru wezana nokuvarwi, “Kana vanhu ava vakasagara muchikepe, hamungararami.” 32Saka varwi vakadambura tambo dzakanga dzakabata igwa rokununura upenyu vakarirega richiwira mumvura.

33Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu. 34Zvino ndinokukurudzirai kuti mudye. Munofanira kudya kuti murarame. Hakuna mumwe pakati penyu acharasikirwa nebvudzi romusoro wake.” 35Shure kwokutaura kwake izvozvo, akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose. Ipapo akachimedura akatanga kudya. 36Vose vakakurudzirwa uye vakadya zvokudya. 37Tose takanga tiri mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu. 38Vakati vadya pavaida napo, vakarerutsa chikepe nokukanda gorosi mugungwa.

39Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona. 40Vakadambura zvimiso, vakazvisiya mugungwa uye nenguva yakare iyoyo vakadamburawo tambo dzakanga dzakasunga zvokudzoresa chikepe. Ipapo vakasimudza sairi rechikepe kumhepo kuti risairirwe panodira makungwa maviri. 41Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai.

42Varwi vakaronga kuuraya vasungwa kuti vatadzise kana mumwe chete wavo kushambira kuti apunyuke. 43Asi mukuru wezana akanga achida kuponesa Pauro, akavadzivisa kuita zvavakanga varonga. Akarayira vaya vaigona kushambira kuti vashambire havo vatange kubuda muchikepe vaende kumahombekombe. 44Vakasara vavo vainge vachizoyambutswa vari pamapuranga kana pazvidimbu zvechikepe. Nenzira iyi, mumwe nomumwe akasvika pavhu rakaoma zvakanaka.

Copyright information for SnaBDSC